A poem in appreciation of Mavambo’s support


 

“Chokwadi Mavambo wakava mavambo ehupenyu hwangu!

Ndaiti zvandave nehutachiwana ndopaperera hupenyu hwangu

Asi iwe wakanditora nerudo rwakadzama.

Nhasi uno ndave nehanya netariro nehupenyu hwangu.

Ndakanga ndisisina hanya nevana vangu uyewo kugara ndichifunga zvakawanda.

Ndaiti ndiro nenhumbi zvakanaka ndichazvida zveii ini murwere kudai

Asi iwe Mavambo wakandidzidzisa kuti kwete handizvo.

Ndaiti kuendesa vana kuchikoro zvine basa rei?

Kutoresa vana matsamba ekubarwa zvine basa rei?

Asi iwe Mavambo wakandidzidzisa kuti kuvanehutachiwana handipo paperera hupenyu hwangu.

Ndaiti ndikaona vanotaura nyaya dzavo vachiseka, ndaiti varikuseka ini.

Ndakanga ndisina kusungunuka mukugara kwangu.

Uyewo kana kuti ndukurukure nevamwe ndaizvisarudza kuti nezvandiri vanhu vanoti kudii?

Asi iwe Mavambo wakandidzidzisa kuburikidza nevadzidzisi vawakatipa vaiwana nguva yekundidzidzisa kuti handizvo.

Nhasi uno ndorarama hupenyu huri nani kuburikidza nedzidziso ndosaka ndichiti Mavambo wakava mavambo ehupenyu hwangu!

Handikanganwewo ivo vana mukoti vakazvipira kundindidzidzisawo kunwa mapiritsi uye kundirapa

Ndichirwara kuti ndive nehutano wandinawo nhasi uno.

Vachindikurudzirawo kusaaregera.

Uyewo ndivo vakaita kuti ndisangane neMavambo inova ndiyo yashandura hupenyu hwangu.

Ndosaka ndichiti Mavambo uri mavambo ehupenyu hwangu!

Ndaiti nezvandiri hapana chero chandandichakwanisa kuita

Asi kwete ndiri kutokwikwidzana naivo vasina hutachiwana vachizvinyepera.

Ini ndinoti hama mudikani kana usati wavakuziva paumire ndinoti neangu mashoko:

Urikurasika muimba yokurara uchitsvaga poto, ndiro nechipunu uchikanganwa kuti zvinogara muimba yekubikira.

Nhasi ndofusha mari sendinofusha mutsine unopa utano, kuita kweMavambo kauku!

Ndinodada nayo haina kuitira ini ndoga asi takawanda nemhuri dzedu.

Nemakonzo akanga ave kushaiwa chekudya mudzimba zhinji nekuda kwekuomerwa nehupenyu

Ndosaka ndichiti Mavambo mavambo ezvese.

Iye zvino ndave kuziva zvakawanda zvisinei nekuburitsa mari zvakafanana nekusona chaiko kugadzirawo midhori inovaraidzawo vana vangu.”